Poetry International Poetry International
Gedicht

Chirikure Chirikure

We fought the war

Inzwai!
We, in diaspora, overseas, fought this war,
We sourced donations and mobilised foreign support
Yet we never lagged behind in our studies, preparing for the future of our country

Aiwa!
We, the boys in the bush, fought the war,
We pulled the trigger, politicised the masses
We slept in the bush – cold, rain or shine.

Bodo!
We, Mujibha and Chimbwido, fought this war
We were the beasts of burden, carrying arms, reconnaissance,
Washing the fighters’ clothing, cooking for them.

Nyangwe!
We, your parents, the peasants, fought the war.
We supplied the clothes, we sold every beast we had.
We supported with morale and prayed to the ancestors.

Yes, we thank you!
The war was fought, blood flowed, homes were destroyed,
The country we fought for, is now ours, we liberated it.
Now, whoever among you has got the key,
Let him open the granary of the country and give us a little grain to cook the little ones a little sadza.
See how parched their lips are?
Like refugees of war.

Yakarwiwa nesu

Yakarwiwa nesu

Inzwai!
Hondo iyi yakarwiwa nesu isu vaive overseas,
Ndisu takaita mobilise mari nerutsigiro rwekunze
Uku tichirovawo chikoro, kugadzirira future yenyika

Aiwa!
Hondo yakarwiwa nesu vanamukoma vemusango,
Ndisu takarova gidi uku tichiita politicise ruzhinhi,
Tichirara musango muchirimo, muzhezha nemuchando

Bodo!
Hondo yakarwiwa nesu isu vanamujibha naanachimbwido,
Ndisu taitakura zvombo uku tichiita reconnaissance,
Tichiwachira varwi nhumbi, uku sadza tichibika mabhodho.

Nyangwe!
Hondo yakarwiwa nesu isu vabereki mumamisha,
Ndisu taitenga nhumbi, matanga tikatsvaira ose,
Uku tichitsigira nemorari, midzimu tichiteketera.

Hongu, tinotenda!
Hondo yakarwiwa, ropa rikayerera, misha ikaparara,
Nhasi nyika yataida yava yedu, takaisunungura,
Asika ndiani ane kiyi dzedura renyika pakati penyu,
Ativhurire tinokorere vana zviyo tivabvuwire kasadza,
Hezvo miromo yavo yati papata kunge vapoteri vehondo.
Chirikure  Chirikure

Chirikure Chirikure

(Zimbabwe, 1962)

Landen

Ontdek andere dichters en gedichten uit Zimbabwe

Gedichten Dichters

Talen

Ontdek andere dichters en gedichten in het Shona

Gedichten Dichters
Close

Yakarwiwa nesu

Inzwai!
Hondo iyi yakarwiwa nesu isu vaive overseas,
Ndisu takaita mobilise mari nerutsigiro rwekunze
Uku tichirovawo chikoro, kugadzirira future yenyika

Aiwa!
Hondo yakarwiwa nesu vanamukoma vemusango,
Ndisu takarova gidi uku tichiita politicise ruzhinhi,
Tichirara musango muchirimo, muzhezha nemuchando

Bodo!
Hondo yakarwiwa nesu isu vanamujibha naanachimbwido,
Ndisu taitakura zvombo uku tichiita reconnaissance,
Tichiwachira varwi nhumbi, uku sadza tichibika mabhodho.

Nyangwe!
Hondo yakarwiwa nesu isu vabereki mumamisha,
Ndisu taitenga nhumbi, matanga tikatsvaira ose,
Uku tichitsigira nemorari, midzimu tichiteketera.

Hongu, tinotenda!
Hondo yakarwiwa, ropa rikayerera, misha ikaparara,
Nhasi nyika yataida yava yedu, takaisunungura,
Asika ndiani ane kiyi dzedura renyika pakati penyu,
Ativhurire tinokorere vana zviyo tivabvuwire kasadza,
Hezvo miromo yavo yati papata kunge vapoteri vehondo.

We fought the war

Inzwai!
We, in diaspora, overseas, fought this war,
We sourced donations and mobilised foreign support
Yet we never lagged behind in our studies, preparing for the future of our country

Aiwa!
We, the boys in the bush, fought the war,
We pulled the trigger, politicised the masses
We slept in the bush – cold, rain or shine.

Bodo!
We, Mujibha and Chimbwido, fought this war
We were the beasts of burden, carrying arms, reconnaissance,
Washing the fighters’ clothing, cooking for them.

Nyangwe!
We, your parents, the peasants, fought the war.
We supplied the clothes, we sold every beast we had.
We supported with morale and prayed to the ancestors.

Yes, we thank you!
The war was fought, blood flowed, homes were destroyed,
The country we fought for, is now ours, we liberated it.
Now, whoever among you has got the key,
Let him open the granary of the country and give us a little grain to cook the little ones a little sadza.
See how parched their lips are?
Like refugees of war.
Sponsors
Gemeente Rotterdam
Nederlands Letterenfonds
Stichting Van Beuningen Peterich-fonds
Prins Bernhard cultuurfonds
Lira fonds
Versopolis
J.E. Jurriaanse
Gefinancierd door de Europese Unie
Elise Mathilde Fonds
Stichting Verzameling van Wijngaarden-Boot
Veerhuis
VDM
Partners
LantarenVenster – Verhalenhuis Belvédère